By Rutendo Mawere

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaparura chirongwa chekuti veruzhinji vakwanise kutsvaga mishonga nezvimwe zvekushandisa munezvehutano pamwe nekunzwa mitengo yazvo vachishandisa nharembozha dzavo, kana kuti Mobile Application, inonzi Cloomi izvo vakawanda vati zvinovarerutsira pavanenge vasangana nedambudziko rezvehutano.

Vakaparura hurongwa uhu VaBlessing Museki vaudza Studio 7 kuti chinangwa chavo ndechekurerutsira varwere kana hama dzavo dzinenge dzichida kuvatengera mushonga

Vati vakavamba chirongwa cheCloomi mushure mekunge vaonawo zvichivanetsa kutsvakira vabereki vavo pamwechete nedzimwe hama dzavo mishonga. VaMuseki avo vari kushanda kuBritain parizvino vati vanhu vanokwanisa kutumira mibvunzo yezvavari kutsvaga panhamba dzinoti +263788257164 vobatsirwa [FULL STORY]